Nyaya yekuumbwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika yatsviriridza munyika sezvo paine makakatanwa makukutu pamusoro penzira iri kushandiswa pachirongwa ichi.
Vamwe vanosanganisira masangano anoti reNCA, iro riri kuda kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo, ZCTU, iyo inomirira vashandi pamwe nesangano revadzidzi reZINASU, havasi kuda kuti hurongwa uhu hutungamirwe nehurumende.
Mamwe masangano akaita seZIMRIGHTS anotiwo ari kupinda muchirongwa ichi, sezvo iri iyo chete nzira yekuti manzwi awo anzwikwe.
Vezvematongerwo enyika vari kubatana pahuro sezvo bato reZanu PF riri kuda kuti kushandiswe Kariba Draft, iyo inoonekwa nevamwe seinopa masimba akawanda kumutungamiri wenyika.
Makakatanwa aya akasvitsa pakuti musangano wekuronga makomiti achapinda muvanhu waifanirwa kuitwa neMuvhuro, uvhiringidzwe nevatsigiri veZanu PF.
Vamwewo ndivo vari kuti regai tione shumo yazvo tiri kure, vomirira kunombora chero zvinenge zvapakurwa kubva mugapu iri.
Sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vanoti vakagara vaudza vanhu vemuZimbabwe kuti hurongwa hwakadai hunofanirwa kutungamirwa nevanhuwo zvavo kwete hurumende.
Asi National Director weZIMRIGHTS, VaOkay Machisa, vanoti hurongwa uhu hunofanirwa kupihwa mukana vanhu votaura zvavanoda kuti zviiswe.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...