NCA Inoshora Zvakaitika kuMusangano weKuumba Bumbiro reMitemo

Sangano riri kurwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika, reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti mhirizhonga yakaitika kumusangano weAll Stakeholders’ Conference neMuvhuro chiratidzo chekuipa kwazvakaita kuti mapato ezvematongerwo enyika atungamire mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

NCA inoti hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro remitemo hunofanirwa kuenzanisa vanhu vose, kwete kuisa vezvematongerwo enyika pamusoro pevamwe vanhu.

Sangano iri rakaramba kupinda mumusangano uyu, uye rinoti harineyi nechekuita nekunyorwa kwebumbiro idzva rinotungamirirwa nehurumende.

Sangano reNCA, richitsigirwa neMDC pamwe nemasangano akazvimirira, rakakurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti varambe kutambira Draft Constitution pareferendamu yemuna Kukadzi 2000.

Draft Constituition iyi yakanga yaitwa neConstitutional Comission yaisanganisa nhengo dzose dzeparamende pamwe nevanhu vakadomwa naVaMugabe.

Sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti kana vezvematongerwo enyika vakaramba vachitungamira hurongwa uhu, dambudziko iri richaramba richiitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...