Musangano wemazuva maviri wekutsvaga nzira dzekukwezva vemabhizinesi kuti vatange mabhizinesi muZimbabwe, wapera neChishanu muHarare. Vanoda kutanga mabhizinesi muZimbabwe varatidza kunetsekana kukuru nemamiriro akaita zvinhu muhurumende yemubatanidzwa.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda neDevelopment Bank of Southern Africa, VaSam Muradzikwa, vanoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kuratidza kuti zvinhu zvakagadzikana munyika kuitira kuti vanoda kusima mari, vaite izvi vakasununguka.
VaMuradzikwa vatiwo bhanga ravo richabatsira Zimbabwe nemari shoma kudzamara zvinhu zvoratidzika kuva nani munyika.
Vachitaurawo pamusangano uyu, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vatiwo hurumende ichashanda zvakasimba mukugadzirisa zvose zviri kunetsa.
Ukuwo sangano re Zimbabwe Stock Exchange, ZSE, rinoti vari kuda kuita mabhizinesi munyika vakawanda asi vari kutya kuti zvematongerwo enyika zvinogona kuvhiringa mabhizinesi avo.
Chief Executive officer veZSE, VaEmmanuel Munyukwi, vanoti
vemabhizinesi ekunze kwenyika vari kuda zvikuru kuita mabhizinesi emigodhi,
kurima pamwe nekushanyirwa kwenyika, asi vari kutya kusagadzikana kwehurumende yemubatanidzwa.