ZCTU Inoti MDC Iri Kurasa Gwara

Sangano guru revashandi, reZCTU, rinoti rinopokana nemapato ose eMDC nekubvuma kwaakaita kuti hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika , hutungamirwe nehurumende yemubatanidzwa, kwete nevanhu sezvakanga zvakabvumiranwa kare pakaumbwa MDC.

Mugwaro rayaburitsa, ZCTU inoti masangano akazvimirira, kusanganisirawo naiyo pamwe neMDC, vakawirirana mugore ra1999 kuti paumbwe bumbiro idzva remitemo yenyika rinobva muvanhu, asi vakazoshamisika apo MDC yakabvuma kuti hurongwa uhu hutungamirwe nehurumende.

Danho ratorwa neZCTU rinotsigirawo danho rakatorwa neNCA, iyo inoti bumbiro idzva remitemo yenyika rinofanirwa kubva muvanhu.

Hurumende iri kutungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika uho huri kutungamirwa nekomiti yeparamende.

Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvakawiriranwa izvi zvinokwanisa kushandurwa chete nemusangano mukuru weZCTU


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...