Zimbabwe Yokwezva Vemabhizinisi Kuti Vauye Munyika

Nechina Zimbabwe ichaparura musangano wemazuva maviri wekuedza kukwezva mabhizimisi makuru epasi rose kuti apinde muZimbabwe.

Musangano uyu, uyo uri kudaidzwa kunzi International Investment Conference, uchapindwa nevamiriri vemakambani makuru kubva kune nyika dzakasiyana siyana, makurukota edzimwe nyika, uye zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara kunze kwenyika.

Va Elton Mangoma igurukota rinoona nezvekurongwa kwehupfumi pamwe nekutangwa kwemabasa munyika. VaMangoma vaudza mutori wenhau Sandra Nyaira weStudio 7 kuti vanoda kuti varikunze vauyewo kuzotanga mabasa.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7...