Zimbabwe Yoongororwa paNyaya yeMangoda

Nhumwa dze World Council of Diamonds pasi pechibvumirano che Kimberly Process dziri muZimbabwe umo dziri kuongorora kuti zviri pamutemo here kucherwa kwemangoda pamwe nekutengeswa kwawo.

Chirongwa che Kimberly Process chinosungira nyika kuti dzichere pamwe nekutengesa mangoda kana kuti daimonds zviri pamutemo, kuitira kuti mangoda aya asazoshandiswe mumabasa akaipa.

Studio7 haina kukwanisa kuwana mazita enhumwa dziri muZimbabwe pari zvino. Masangano akazvimirira anoti mangoda ekwaMarange ari kucherwa zvisiri pamutemo, uye vanhu vanosvika mazana maviri, vanonzi vakafa kwaMarange mushure mekupfurwa nemasoja pamwe nemapurisa.

Asi hurumende inoti hapana munhu akaurayiwa nemasoja kana mapurisa kuminda iri kucherwa mangoda aya. Nhumwa idzi dzichaendawo kwaMarange kunotaura nevagari vemudunhu iri nevamwe vane chekuita nekucherwa pamwe nekutengeswa kwezvichirwa izvi.

Nhumwa idzi dzaita musangano nehurumende, bhanga guru renyika re Reserve Bank of Zimbabwe, vamiriri vemagweta anorwira kodzero dzevanhu nevamwe vane chekuita nemangoda munyika.

Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro nemutevedzeri wegurukota rinoona nezvezvicherwa, Va Murisi Zwizwai, avo vapinda mumusangano waitwa neChipiri.

Dzimwe Nyaya Kubva kuStudio7...