Mutambi wenhabvu wechikwata
chema Warriors, Cephas Chimedza, anoti pachine zvizhinji zvinofanirwa kuitwa
munyika kuitira kuti mamiriro enhabvu munyika ashanduke, zvikuru seyi, mafambisirwo
ari kuitwa sangano re ZIFA.
Cephas anoti kunyange hazvo hunyanzvi hwenhabvu hurimo munyika, ZIFA inofanirwa kugadzirisa zvinhu zvinosanganisira kubhadhara vatambi zvakanaka, kuitira kuti vatambe nemoyo wavo wese.
Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naCephas kuti tinzwe maonero ake.