Munyori mukuru weAmnesty International, Muzvare Irene Khan, vari kutarisirwa kusangana
nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, svondo rinouya kuti vataure pamusoro
pekutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekutambudzika kwevanhu muZimbabwe.
Muzvare Khan vari kuperekedzwa nenyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu, uye vari kutarisirwawo kusangana nevanorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe, pamwe nevanhu vakambunyikidzwa munguva yesarudzo gore rapera.
VaDewa Mavhinga ndivo chipangamazano che Amnesty International munyaya dzeZimbabwe. Sandra Nyaira weStudio7 aita hurukuro naVaMavhinga kuti tinzwe nezvehurongwa hwesangano iri.