Sachigaro ve Sadc uye vari mutungamiri we South Africa va Jacob Zuma vanoti Sadc inoda kuti kuitwe sarudzo dzakachena muZimbabwe, asi pare zvino vanoti sangano iri richaramba richitsigira uye kubatsira hurumende yemubatanidzva iripo pakati pe Zanu PF ne MDC ndokuti ibvise nyika mumadhaka.
Vachitaura nhasi mumashoko avo e State of the Nation Adress, va Zuma vakurudzira nyika dzepasi rose kuti dzibatsire hurumende ye Zimbabwe kuti isimudzire hupfumi hwenyika.
Mutungamiri we hurumende va Morgan Tsvangirai vaudza musangano we Comesa urikuitirwa ku Victoria Falls kuti hurumende yavo irikuita zvese zvakakondzera kuti hupfumi hwenyika husimudzirwe.
MDC yakakumbira va Zuma sasachigaro ve Sadc svondo rapfura kuti vaite musangano wechimbichimbi kugadzisirwe gakava riripo pakati payo ne Zanu PF panyaya yava Gideon Gono, vanova gavuna ve Reserve Bank of Zimbabwe uye gweta guru rehurumende va Johannes Tomana.
Asi munyori mukuru we Sadc va Tomaz Salomao vaudza Studio 7 kuti Sadc hayisati yaronga musangano uyu. Va Nelson Chamisa ndivo mutauriri we chikwata che MDC chinotungamirwa nava Tsvangirai.
Va Chamisa vanoti varikutarisira kuti Sadc inge ichisangana munguva pfupi inotevera kuti igadzirise makakatana arikunetsa muhurumende yemubatanidzva iyi.
Dzimwe nyaya kubva kuStudio 7...