Vadzoserwa muhusungwa vanosanganisirawo nhengo dzeMDC, VaGhandi Mudzingwa, VaEmmnuel Chinanzvavana, Amai Violet Mupfuranhewe, VaFanwell Tembo, pamwe nemutori wenhau, VaAnderson Shadreck Manyere.
Zvichitevera kusungwa kwevanhu ava, masangano evatori venhau abva aramwa kuenda kumusangano wekuzeya mitemo inombunyikidza vatori venhau uyo uri kutanga kuKariba neChitatu.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi,
vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti musangano waitwa
nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan
Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri waVaTsvangirai, VaArthur Mutambara, wabuda
nechisungo chekuti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vabudise vanhu ava mutorongo.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti nyaya yekusungwa zvakare kwenhengo dzayo pamwe nevemasangano akazvimirira, iri kukonzera kuti hurumende yemubatanidzwa indengendeke.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, professor John Makumbe, vanoti zvaitwa izvi kutyora chibvumirano chezvematongerwo enyika chakanyoreranwa neve zvematongerwo enyika.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...