Monomotapa Inopinda muCAF Champions League Group Stage

Hutungamiri hwechikwata cheMonomotapa hunoti huri kufadzwa zvikuru nematambiro akaita vatambi vechikwata ichi pamutambo wavo weCAF Champions League. Monomotapa yakakunda Asec Mimosas yeku Ivory Coast 2-0 pamutambo wakatambirwa kuRufaro Stadium neSvondo.

Murairidzi wechikwata ichi, V Rodwell Dhlakama, vanonzi vakaratidza hunyanzvi hwavo nekubatsira vakomana vechikwata ichi kuti vapinde mumakwikwi ekupedzisira emukombe we CAF Champions League - Mini League Stage, ayo anenge aine zvikwata zvisere. Aka ndekechipiri chikwata chemunyika chichisvika padanho iri, zvichitevera mashura akaitwa neDynamos gore rapera.

Vane ruzivo nezvemakwikwi aya vanoti zvikwata zvisere zviri mumakwikwi aya ekupedzisira, zvichawanda mari ine musoro, izvo zvichabatsira zvikuru Monomotapa.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemunyori mukuru muchikwata cheMonomotapa, VaDavid Makombe, pamusoro pematambiro akaita chikwata chavo, pamwe nezvinoreva kukunda kwavakaita chikwata cheku Ivory Coast.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…