Musangano pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, hauna zvawabuda nazvo zvakare.
Musangano uyu wakatanga na 2 masikati eChina ukazopera kuma 7 dzemanheru. Nyaya dzange dzichizeyiwa inyaya dzaVaMugabe dzekudoma vega magavhuna ematunhu, gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, vanyori vemapazi ehurumende pamwe nenyaya dzevasungwa vezvematongerwo enyika.
VaMugabe vaonziwo vari kurambwa kutoresa mhiko VaRoy Bennet kuti vagadzwe semutevedzeri wegurukota rezvekurima, uye kugadzirisa nyaya yekutorwa kwemapurazi evachena mashoma asara.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMugabe vange vachiri kutsika madziro panyaya idzi kunyange hazvo magweta ari musangano reJOMIC anosanganisa VaEmmerson Mnangagwa naVaWelshman Ncube, vakawirirana kuti VaMugabe vanofanirwa kudoma vanhu ava vataurirana vose vari vatatu. VaTsvangirai vakataurawo neChitatu kuti vainge voneta nekusapera kwenyaya idzi.
VaSydney Masamvu vanoshanda nesangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica. VaMasamvu vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti nyaya yaVaMugabe yekuda kufadza vebato ravo ndiyo iri kukonzero mutauro.