VaManyere Voronga Kuripwa neHurumende

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira ega, VaAnderson Shadreck Manyere, avo vanga vari muhusungwa vachipomerwa mhosva dzekuda kupidigura hurumende nechisimba, vanoti vari kuda kuendesa hurumende kumatare edzimhosva nepamusana pekushungurudzwa kwavakaitwa vari muhunsungwa.

VaManyere nenhengo dzeMDC mbiri, VaGhandi Mudzingwa naVaKisimusi Dhlamini, vakapihwa mukana neChishanu wekubvisa mari yechibatiso inoita chiuru chimwe chete chemadhora eku America pamunhu.

Vatatu ava vakanzi nedare vapote vachizviendesa kumapurisa kamwe chete pasvondo. Vasungwa ava vakambenge vatadziswa kuburitswa muhusungwa, mushure mekunge hurumende yashandisa mumwe mutemo unosungira kuti vanhu vanenge vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, varambe vari muhusungwa.

VaManyere vakasungwa muna Zvita gore rapera, mazuva mashoma mushure mekunge mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vapambwa vari pamba pavo ku Norton musi wa 3 Zvita.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaManyere kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...