Amai Francis vanozivikanwa zvikuru nemabasa avo ekurwira kodzero dzevanhu vanorarama ne HIV/AIDS. Amai Francis vakavhenekwa ropa ravo muna 1986, rikawanikwa riine hutachiwana hwe HIV, uho hunokonzera chirwere chemukondembera.
Amai Francis vakava mumwe wevanhu vashoma vakatanga kubuda pachena kuti vainge vaine hutachiwana hwe HIV. Kwemakore anokwana makumi maviri nematatu, Amai Francis vanga vachiita basa rekurwira kodzero dzevanhu vanorarama ne HIV, pamwe nekubatsira vamwe vavo nepekugara.
Mushure mekuona kuti zvakanga zvakaoma kungorwira kodzero dzevanhu pasina hurongwa hwakajekwa, amai Francis vakaumba sangano re The Centre, iro rinogamuchira vanhu vanenge vaine hutachiwana, richivabatsira.
Vanorwira kodzero dzevanhu vanorarama ne HIV vanoti varasikirwa zvikuru nekushaya kwaAmai Francis.
VaFred Kachote ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri we The Centre, sangano rinobatsira vanorarama neHIV/AIDS. Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro navaKachote kuti tinzwe nezvekushaya kwaMai Francis.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...