SADC Yosangana Zvakare Kuti Ibatsire Zimbabwe

Vatungamiri venyika dziri musangano reSADC vari kutarisirwa kusangana muSouth Africa neMuvhuro svondo rinouya kuitira kuti vakurukure nezvehurongwa hwekubatsira Zimbabwe nemari inoita US$2 billion.

Mari iyi ndeyekushandisa mukugadzirisa zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi. Musangano uyu ndiwo uri kutarisirwa kubuda nechisungo pahurongwa hwekubatsira Zimbabwe nemari.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakati nyika inoda mari inotangira pa US$5 billion yekusimudzira nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vakambotungamira sangano reCZI, VaCallisto Jokonya vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti havaone SADC ichitadza kuunganidza mari iri kutarisirwa iyi, kunyange hazvo pasi rose rabatwawo nenyaya dzekuoma kwezvinhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...