Sachigaro vesangano re Zimbabwe Association of Doctors
For Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, vanoti vanhu vachange vari parufu
rwaMai Susan Tsvangirai, vanofanirwa kungwarira kuita zvehutsanana kuitira
kuti vasabatwe nechirwere chekorera, izvo zviri kuitika nguva zhinji panoungana
vanhu munyika kana paitika rufu.
Mai Tsvangirai vakashaika mujodzi yemotokari neChishanu uye vari kuradzikwa kumusha kwavo kuBuhera neChitatu. Mai Tsvangirai vari kuchemerwa kumba kwavo muHarare uye vachange vachiratidzwa kuvanhu kunhandare yeGlamis Stadium muHarare mangwana vasati varadzikwa kuBuhera.
Sangano reWorld Health Organization rinoti kusvika neSvondo, vanhu vafa nechirwere chekorera vadarika zviuru zvina, ukuwo vanhu vanodarika zviuru makumi masere nezvipfumbamwe, vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera.
Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naDr Gwatidzo kuti tinzwe kurudziro yavo.