SADC Yovimbisa Kubatsira Zimbabwe Kupemha Mari

Makurukota ezvehupfumi emuSADC apa kurudziro yekuti vatungamiri venyika dzemuSADC, vaite mumwe musangano wekuti vazeye kuti vowanira sei Zimbabwe mari inosvika US$2 billion, iyo ichashandiswa mumwedzi gumi inotevera kuti nyika ibude mumadhaka mairi.

Vachitaura muCape Town neChishanu, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, Amai Nkosazana Dlamini Zuma, vakurudzira nyika dzekunze kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa Zimbabwe, uye kuti dzibatsire Zimbabwe nemari.

VaShingi Munyeza inyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari Chief Executive Officer we African Sun Limited.

VaMunyeza vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti SADC inokwanisa kubatsira Zimbabwe mukukurudzira nyika dzekunze kuti dzipe nyika mari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7..

.