Sangano re World Food Programme rinoti vanhu vanoda
rubatsiro rwechikafu munyika mwedzi uno, vanodarika mamiriyoni manomwe, sezvo
nyika isina kuwana goho rakanaka gore rapera.
Pavanhu vari kuda rubatsiro, WFP ichange ichipa vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu, uye sangano re C-SAFE richange richipawo vanhu vanosvika mamiriyoni maviri.
Nyanzvi munyaya dzekurima dzinoti nzara icharamba ichinetsa munyika sezvo pasiri kutarisirwa goho rakanaka mwaka uno. VaRenson Gasela inyanzvi munyaya dzekurima. VaGasela vanoti chikafu chichakohwewa mwaka uno, chichabatsiea vanhu kusvika mumwedzi waChikunguru chichibva chapera.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...