Vashandi Vodzokera Kunoshanda Muzvipatara

Sangano rinomirira vashandi vemuzvipatara, reZimbabwe Health Workers’ Association, rinoti vashandi vose vemuzvipatara zvehurumende, vanosanganisira vana chiremba navana mukoti, avo vanga vari pakuramwa mabasa kubva gore rapera, vakabvuma kudzokera kumabasa.

Sangano iri rinoti vashandi vose vakabvuma kudzokera kumabasa zvichitevera kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa, uye vimbiso yakabva kuhurumende yekuti ichatarisa zvichemo zvavo.

Vashandi ava vakanga vakanda mapadza pasi vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambira, uye kuti mashandiro avo akwidziridzwe. Hurumende itsva iyi yakapa vashandi vayo vose mari dzekubatsirika dzinoita US$100.00 pamwedzi kutanga mwedzi uno.

Sachigaro veZimbabwe Health Workers Association, Doctor Amon Siveregi, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvimwe zvikuru zvakaita kuti vadzokere kumabasa kutambura kwanga kwoita varwere.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...