Zimbabwe Yotamba neDRC neChina Yakasunga Muromo

Mutambi wenhabvu wechikwata chema Warriors, Ovidy Karuru, anoti ari kufadzwa nekutamba kwakaita chikwata chake pamutambo wekutanga weAfrican Nations Championship, uyo wakatambirwa muguta re Bouake ku Ivory Coast neMuvhuru manheru.

Karuru anoti vatambi vechikwata chake vari kutarisira kusimbaradza matambiro avo pamutambo wavachatamba nechikwata chekuDemocratic Republic of Congo neChina, kunyange hazvo vasiri kufadzwa nekunyimwa mari yekubatsirikana neZIFA.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naOvidy kuti tinzwe nezvematambiro akaita Warriors, ayo akanga akatungamira pazvibodzwa, asi akazotadza kumisa chikwata cheGhana icho chakakonzera kuti mutambo uyu upere ari mangange 2-2.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…