VaTsvangirai Vogadzwa seMutungamiri weHurumende neChitatu

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kugadzwa semutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa nemusi weChitatu. VaTsvangirai vachatora mhiko yekuva mutungamiri wehurumende pamwe nevatevedzeri vavo vaviri, vanoti mumwe anobva kubato ravo, uye mumwe achadomwa nechikwata chinotungamirwa naVaArthur Mutambara.

MDC inoti mutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozane Khupe, ndivo vachange vari mumwe wevatevedzeri waVaTsvangirai muhurumende itsva. Ukuwo mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, ndivo vari kutarisirwa kuva mumwe wevatevedzeri waVaTsvangirai. Pachibvumirano che Global Political Agreement, icho chakanyoreranwa pasi pakati paVaTsvangirai, VaMutambara, pamwe nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, musi wa 15 Gunyana, hachidome nemazita evachange vari vatevedzeri vaVaTsvangirai muhurumende yemubatanidzwa.

Mushure mekunge VaTsvangirai vatora mhiko neChitatu, makurukota ehurumende achagadzwa neChishanu.

Kutora mhiko kwaVaTsvangirai kunoitika mushure menguva yakareba vachinetsana naVaMugabe panyaya yemagavhuna, pamwe nevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika. VaTsvangirai vanoti nyaya iyi inofanirwa kugadziiriswa, uye vasungwa vezve matongerwo enyika vari mumajeri, vanofanirwa kuburitswa vasati vatora mhiko.

Veruzhinji vakatarisira kuona kuti izvi zvichagadziriswa here Chitatu chisati chasvika.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti hurongwa hwekugadzwa kwaVaTsvangirai nevamwe vavo huri kuenderera mberi neChitatu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7 ...