Chitungwiza Yobatsirwa neRed Cross Kuwana Mvura Yakachena

Sangano Red Cross rinoti richatanga kupa mvura yakachena kuvanhu vanosvika zviuru gumi nezvishanu, kana kuti 15 000 kuvanhu vanogar kuChitungwiza. Sangano iri rinoti hurongwa uhu, huchaparurwa neChishanu muChitingwiza makare, uye hwakanangana nekurwisana nechirwere chekorera, icho chanetsa munyika.

Sangnao reWorld Health Organization rinoti vanhu vafa nechirwere ichi vasvika pazviuru zviviri nemazana manomwe anemakumi mashanu nevashanu, uye vanhu vanodarika zviuru makumi mana nezvisara, vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu kusvika mukuvura kwezuva neChitatu.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vafa nechirwere ichi vanofanirwa kuva vadarika huwandu huri kutaurwa neWHO, sezvo vanhu vakawanda vari kufira mudzimba dzavo.

Mumwe mugari wemuKadoma, Va Shame Ruchike, vanoti vane hama dzavo ina dzakafa nechirwere ichi, uye vamwe vachiri kurwara pari zvino.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVa Ruchike kuti tinzwe zviri kuitika munzvimbo yavanogara.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...