VaBarack Hussein Obama Vanogadzwa seMutungamiri weAmerica

VaBarack Hussein Obama vagadzwa neChipiri semutungamiri weAmerica, vachitora basa ranga richiitwa naVaGeorge Bush.

VaObama, avo vave nemakore makumi mana nemanomwe ekuberekwa, vaita munhu mutema wekutanga kuva mutungamiri wenyika huru uye yakapfuma kudarika dzimwe pasi rose. Kugadzwa kwaVaObama semutungamiri weAmerica, kunoreva kuti vachange vari pachigaro ichi kwemakore mana.

VaObama vakakunda VaJohn McCain avo vaimirira bato reRepublican Party. Vasati vasangana naVaMcCain musarudzo yakaitwa musi wa 4 Mbudzi, VaObama vakakunda Amai Hilary Rodham Clinton, mudzimai wevaimbove mutungamiri weAmerica, VaBill Clinton, musarudzo yekutsvaga munhu aizomirira bato reDemocratic Party musarudzo yekutsvaga mutungamiri waAmerica.

Vachitora mhiko yekuva mutungamiri weAmerica, VaObama vati vachaedza nepavanogona napo kutungamiri nyika, kunyange hazvo vatora chigaro apo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi, hutano, uye kuraisikirwa kuri kuitwa mabasa nezvizvarwa zvemu America. VaObama vatiwo zvinotoda mushandira pamwe kuti vabudirire mukutonga kwavo.

VaObama vakashandisa mashoko atariro mune remangwana apo vaitsvaga rutsigiro. VaObama vanoti vari kuda kuvharisa jeri repa Guantanamo, uko kuri kuchengeterwa vanhu vari kupomerwa mhosva dzekuita zvehugandanga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...