Sangano re World Health Organization rinoti vanhu vafa nekorera vasvika pa 2 225, uye vabatwa nechirewe ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu, vasvika pa 42 675.
Izvi zvinoratidza kuti huwandi hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere ichi, huri kuramba huchikwira. Hurumende inoti iri kuedza nepainogona napo kurwisa chirwere ichi.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vafa nechirwere ichi vanogona kuva vadarika pahuwandu huri kutaurwa ne WHO, iyo inoshanda pamwe chete nehurumende munyaya dzehutano. Nyanzvi idzi dzinotiwo vanhu vakawanda vari kufira mudzimba, izvo zviri kupa kuti bazi rezvehutano, risaziva huwandu chaiho hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nekorera.
Masangano akazvimirira anoti rwendo rwuno hurumende iri kuratidza mweya wakanaka pamushandira pamwe kwairi kuita nemasangano ayo munyaya dzechirwere chekorera, kunyange hazvo isiri kubata vanhu zvakanaka munyaya dzekodzero dzavo mune zvematongerwo enyika.
VaFambai Ngirande ndivo mutauriri weNango sangano rinomirira masangano akazvimirira oga ari kushanda ari munyika. Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaNgirande kuti tinzwe zvavari kuona pachirwere ichi.