Chirwere cheKorera Choramba Kupera Munyika

Chirwere chekorera charamba kupera munyika izvo zvava kuita kuti vana godobori vazvishayirwe shumo yazvo. Dambudziko guru rinonzi riri pakushaikwa kwemishonga pamwe nemvura yakachena.

Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vafa nechirwere chekorera kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu vasvika pazviuru zviviri nemazana maviri nemumwe, kana kuti 2 201. Asi naynzvi munyaya dzehutano dzinoti huwandu hwevanhu vafa hunogona kudarika huri kutaurwa neWHO.

Veruzhinji vava kubvunzana kuti zvino dambudziko iri zvaraita ndambirira hosha yemuura, richapedzwa sei.

Mukutsvaga mhinduro, pamwe nekutsvaga zvingabatsira nyika Jonga Kandemiiri aita hurukuro naDoctor Amon Siveregi, avo vanomirira vashandi vezvehutano pamwe naVaEdson Chihota, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Association for Crime Prevention and Rehabilitation of Offenders, kana kuti ZACRO.

Doctor Siveregi vanoti ivo sevashandi vezvehutano, vari kuedza napose pavanogona napo kuti vakunde chirwere ichi. Asi VaChihota vati ivo vashandi vezvehutano havasi kukumbira rubatsiro rwunokwana kubva kune masangano ari kubatsira muhondo yekurwisana nekorera iyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...