Mapurisa Anotora Mumiriri weChipinge South neVamwe Vake

Nhengo yeMDC inomirira Chipinge South mudare reHouse of Assembly, VaMeki Makuyana, pamwe nedzimwe nhengo gumi neshanu dzebato guru muparamende kuChipinge South kwakare, vatorwa nemapurisa masikati eChitatu.

VaMakuyana vanonzi vatorwa nemapurisa vari kuChiredzi kumabhizimisi avo. Mutairiri weMDC kuManicaland, VaPishai Muchauraya, vanoti havana zvikonzero zvavanoziva zvingaita kuti mapurisa asunge nhengo dzavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Asi VaMuchauraya vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanofunga kuti aya mabasa eZanu PF, iyo vati iri kuda kushungurudza bato ravo.

Kusungwa kwaVaMakuyana kunoitikawo apo bato reMDC riri kupikisa mutongo wakapiwa mumatare wekumisa mumiri weChimanimani West muparamende, Amai Lynnette Karenyi, kuve nhengo yeparamende, mushure mekunge vawanikwa vaine mhosva yekufojera magwaro ekuti vakwanise kukwikwidza musarudzo dzakaitwa munaKurume wegore rapera. Asi Amai Karenyi vari kupikisa mutongo uyu vachiti mutongi wedare iri, VaBillard Musakwa, havana masimba ekugadza dare ravo sedare rezvesarudzo.

Izvi zvinoreva kuti Amai Karenyi vacharamba vari nhengo yeparamende kudzamara matare apa mutongo panyaya yakwidzwa kumatare naAmai Karenyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...