Hurumende inonzi yaudza mapurisa nemauto kuti agare akadzipakatira sezvo iri kutyira kuti veMDC vangangode kupidigura hurumende nechisimba.
Asi MDC inoti aya manomano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu iye akasungira nyoka muchiuno. MDC inoti haina hurongwa hwakadai uye ibato rinoremekedza mitemo yenyika.
Asi mumwe mukuru mukuru muchiuto, Brigadier General John Zingoni, vakazivisa mazuva mashoma apfuura kuti mauto anofanira kugara akagadzirira zvichitevera kupfuurwa kwemukuru wemauto emuchadenga, Air Marshal Perence Shiri.
Gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaKembo Mohadi, vaudza Studio7 kuti havataure nyaya dzekudzivirirwa kwenyika nrvatori venhau.
Asi vane ruzivo
nezviri kuitika kumapurisa vanotiwo mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vakaudza
vakuru vakuru vemapurisa mumatunhu ose gumi, musi wa 28 Zvita, kuti
vasabvumidze vemapato ezvematongerwo enyika kuita misangano yezvematongerwo enyika, sezvo pari
kutyirwa kuti vanhu vanogona kushandisa mukana uyu kukonzera
mhirizhonga. Studio7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena.
VaGiles Mutsekwa ndivo munyori anoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai.
VaMutsekwa vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti ichokwadi kuti nyika yazara mauto nemapurisa mumigwagwa.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...