VaMutambara Voshora VaTsvangirai naVaMugabe paNyaya yeHurumende yeMubatanidzwa

  • Ntungamili Nkomo

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vanoti mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanofanirwa kugadzirisa gakava riri pakati pavo kuitira kuti munyika muumbwe hurumende yembatanidzva nechimbichimbi.

VaMutambara vaudza Studio 7 kuti MDC inofanirwa kutsigira Constitutional Amebdment Bill Number 19. Bhiri iri richapinda mudare reHouse of Assembly parinovhurwa musi wa20 Ndira svondo rinuya.

VaMutambara vaudza Ntungamili Nkomo weStudio7 kuti dare iri rikatadza kutambira bhiri iri, VaMugabe vanogona kuputsa dare reparamende, kodaidzirwa sarudzo itsva.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti VaMutambara ngavasiyane nekutsigira pfungwa dzaVaMugabe, sezvo VaMugabe vari ivo munhu auraya nyika.

Nyanzvi munyaya dzemiremo pamwe nezvematongerwo enyika, Doctor Lovemore Madhuku, avo vanova zvakare sachigaro veNCA, vanotiwo VaMugabe havakwanisi kuputsa paramende vachishandisa chikonzero chekuti dare iri raramba kutambira kuvandudzwa kwebhiri reConstitutional Amendment Bill Number 19.

Dzimwe Nhau kubva kuStudio7...