Zvikoro Zvobhadharwa neMari yeKunze kweNyika

Kubvumidzwa kwakaitwa zvimwe zvitoro kuti zvitengese zvinhu nemari yekunze zvava kupawo kuti vanhu vasina marezenisi ekutengesa zvinhu zvavo nemari yekunze, vatengese zvinhu zvavo nemari yekunze, kuitira kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka. Izvi zviri kuitwa sezvo mari yemunyika iri kuramba ichipera simba zuva nezuva.

Vasina kupihwa mvumo yekubhadharwa nemari yekunze, vanosanganisira vemakombi, vanotengesa pamisika, vemabhazi anotakura voruzhinji, uye zvikoro.

Zvikoro zvakawanda, izvo zvinosanganisira Chisipite High School nezvimwe, zvave kubhadharisa vabereki mari dzekunze kwenyika. Chisipite High School inonzi iri kubhadarisa vana ve Form One chiuru nemazana maviri emadhora ekuAmerica patemu uye pamusoro pezvo, vabereki vakabhadariswa mari yechibatiso inoita mazana matatu emadhora. Vabereki vainzi vauye nemakuponi epeturu ane mutengo unosvika mazana matatu emadhora eku America.

Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi dzinoti vana vechikoro vakawanda vachatadza kuenda kuchikoro nepamusana pekushairwa mari dzechikoro, sezvo vabereki vavo vachitambira mari shoma, uye iri yemuZimbabwe

VaSam Ncube ndivo sachigaro ve Affirmitive Action Group kuMatebeleland.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaNcube kuti tinzwe maonero avo pakubhadhariswa kuri kuitwa vanhu mari yekunze kuti vawane zvavanenge vachida kuwana, zvingave zvekudya, dzidzo kana kushanya vachishandisa mabhazi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...