Kuumba Hurumende Itsva Kotemesa VaMugabe Musoro

Vakuru vakuru muhurumende vanoti pane hurongwa hwekuumbwa kwehurumende itsva muna Kurume, ndokana matare maviri eparamende anoti House of Assembly ne Senate atambira bhiri remutemo mutsva reConstitutional Amendment Bill Number 19.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatomisa basa makurukota avo akakundwa musarudzo dzemuna Kurume wegore rapera, sechiratidzo chekuti vava kuda kuvaka hwaro hwehurumende itsva.Asi kusvika pari zvino VaMugabe havasati vadoma makurukota matsva, izvo zviri kureva kuti mapazi aya achange asina makurukota anoatungamira.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti VaMugabe havakwanisi kuumba hurumende ine musoro kana mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakasabatana navo muhurongwa uhu. VaTsvangirai vanoti VaMugabe vanofanirwa kutanga vagovana navo masimba zvakafanira kuitira kuti vapinde muhurumende yemubatanidzwa. Izvi ndizvowo zvakakomekedzwa neNational Council yeMDC, iyo iri kuda kuti MDC inge iine magavhuna mumatunhu akakunda MDC, uye kuti vagovane vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika.

VaInnocent Gonese ndivo chief whip weMDC muparamende.

VaGonese vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vari kuronga zvekuumba hurumende itsva vakasika kuda kumhanya vasati vakambaira, sezvo pasati pagadziriswa zviri kunetsa.

Ukuwo vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vatiwo havaoni hurumende iyi ichibudirira kana MDC yaVaTsvangirai ikaramba yakatsika madziro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...