Sangano re World Health Organisation rinoti vanhu vafa nechirwere chekorera vasvika pavanhu 1 564. Huwandu uhu hwakaburitswa nemusi weSvondo, uye hausanganise vanhu vangadaro vafa nechirwere ichi nemusi weMuvhuro.Gwaro raburitswa neWHO rinoti muHarare makafa vanhu mazana matatu nemakumi matatu, kubva pakatanga chirwere ichi muna Nyamavhuvhu. MuChitungwiza munonzi makafa vanhu zana nemakumi mana ane vaviri, ukuwo vanhu zana nevana vanodzi vakafa kuMudzi. Vanhu vakabatwa nechirwere ichi munyika mose vanosvika 29 131.
Bepanhau repainternet reZimbabwe Times rinoti chirwere ichi chava kubatawo vanhu vari mumajeri. Bepanhau iri rinoti vanhu vanopfuura mazana maviri vakafira mumajeri mushure mekubata chirwere ichi.
Mumwe mushandi wemumajeri asina kuda kudomwa nezita rake sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau, audza Studio7 kuti ichokwadi kuti vasungwa vari mumajeri vari kufa nekorera.
Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro nemushandi uyu kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu mumajeri.
Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...