VaTsvangirai Vanopihwa Gwaro Ravo reKufambisa neHurumende

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vakawana gwaro ravo rekufambisa nezuro, pamwe netsamba yakanyorwa naVaMugabe yekuvakoka kuti vauye kuzotora mhiko yekuti vatange hurumende yemubatanidzwa.

Tsamba iyi inonzi yakatambidzwa VaTsvangirai mbune nemumiriri weSouth Africa kuBotswana, VaMilo Moopeloa.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti kuunzwa kwegwaro raVaTsvangirai kunotevera kupindira kweSouth Africa uye mashoko aVaTsvangirai ekuti vanogona kubuda munhaurirano neZanu-PF musi wa 1 Ndira, kana hurumende yaVaMugabe isina kusiya mabasa ayo ekupamba vanhu, pamwe nekuita humbimbindoga.

South Africa iri kushorwawo nenyika dzakawanda nenyaya yekubata VaMugabe sekacheche.

VaGeorge Sibotshiwe ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaSibotshiwe vanoti nyaya yegwaro haina kukosha kudarika hupenyu hwevanhu vari kutambura muZimbabwe, avo vanofanirwa kuwana mutungamiri anovabatsira.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...