Dzimwe Nhengo Nhatu dzeMDC Dzinopambwa Zvakare

Dzimwe nhengo dzeMDC nhatu dzinonzi dzakapambwa nevanhu vasingazivikanwi kuti ndivanani pakati pesvondo rapera neChitatu chesvondo rino.

MDC inoti VaGraham Matehwa vekuMakoni South, kuManicaland, vakapambwa neChipiri nevanhu vana vaive vakapakatira zvombo.

VaBothwell Pasipamire vekuKadoma Central vanonzi vakapambwawo mazuva mashanu apfuura, uye havasi kuzivikanwa kuti varipi.

MDC inotiwo kutanga kwesvondo rino, VaPeter Munyanyi wemuWard 8 kuGutu North kuMasvingo, vakapambwawo kubva paUchinda Business Centre uye havasati vazivikanwa kuti varipi. Bato iri rinoti izvi zvasvitsa huwandu hwenhengo dzaro dzapambwa pamakumi maviri nevatatu.

Gweta riri kumirira nhengo dzeMDC dzakapambwa idzi, VaAlec Muchadehama vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vacharamba chete vachinetsa matare edzimhosva kuti vamanikidze mapurisa kuti vaendese vanhu ava kumatare kana kuvaburitsa muhusungwa, ndokana vari mumaoko emapurisa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...