VaBan Ki-moon vakataura mashoko aya kudare reSecurity Council neMuvhuro, vachiti nyika dzakaita seBritain, America neFrance, dzainge dzichikurudzira kuti VaMugabe vatorerwe matanho akasimba, sezvo vari kutyora kodzero dzevanhu, uye kutadza kutonga nenzira kwayo.
Asi South Africa, France neRussia, dzinonzi dzakati nyaya yenhaurirano inofanira kupihwa mukana. VaBan Ki-moon vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe, sezvo hurumende iri kukundikana kuita basa rayo nemazvo.
Munyori mukuru weUnited Nations akatiwo anoshushikana nenyaya yekuurayiwa kuri kuitwa vanhu, uye kupambwa kuri kuitwa vanhu vanopikisa hurumende yaVaMugabe.
Vane ruzivo nezvemusangano uyu vanoti hapana chisungo chakati tsvikiti chakabuda ne Security Council, sezvo nyika dzemu UN Security Council dzakange dzisiri kuwirirana panyaya yekuomesera VaMugabe.
VaChris Mhike igweta uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika.
Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro naVaMhike kuti tinzwe maonero avo pamabatirwo akaitwa nyaya yeZimbabwe kumusangano we UN Security Council wakaitirwa muNew York.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...