Nhengo dzeUnited Nations Security Council dziri kusangana neMuvhuro masikatii kumuzinda we United Nations mu New York, uko dziri kuzeya nyaya yeZimbabwe. Muzinda weZimbabwe ku United Nations unoti nyaya yeZimbabwe ichataurwa nezvayo manheru ano.
Britain ne America dzinoti hadzizi kufara nemamiriro akaita zvematongero enyika, uye kuparara kwehupfumi pamwe chete nekutambura kuri kuita vanhu munyika. Naizvozvo, nyika idzi dzinoti Security Council inofanirwa kutora matanho akasimba, achaita kuti zvinhu zvigadziriswe munyika.
Munyori mukuru muUnited Nations, VaBan Ki-moon, vanoti gakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe rinofanirwa kugadziriswa nechimbichimbi sezvo rava kukonzera kushupika kwevakawanda.
Asi mutauriri wehurumende uye vari gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaSikhanyiso Ndlovu, vanoti nyaya yeZimbabwe haifanirwi kuzeyewa ku United Nations, nokuti Zimbabwe haisi nyika iri muhondo.
Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongero enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe.
Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro naVaMakumbe kuti tinzwe maonero avo panyaya yeZimbabwe yava kukandwa mudariro re Security Council.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...