VaMugabe Vodududza paNyaya yeCholera

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, vave kurova nhendeshure pamashoko aVaMugabe kumarinda eHeroes Acre ekuti munyika hamuchina cholera.

VaCharamba vanoti nhepfenyuro dzakaita seBBC neFrance 24, ndidzo dzakaresva kutaura chaizvo zvainge zvataurwa naVaMugabe.

VaCharamba vanoti VaMugabe vaingotaura chete kuti Britain neAmerica dziri kuda kushandisa chirwere ichi, kuitira kuti dzipindire muZimbabwe.

VaMugabe vakashandisa mukana wekuvigwa kwaVaElliot Manyika neChina kunyomba mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti VaMugabe vapererwa nemazano nokudaro vave kugara vachingotaura zvisina maturo.

Zvichakadaro, munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki-Moon, vanoti VaMugabe vanofanira kutarisa mberi uye kuti vaonewo kuti kana vasisipo vanenge vorangarirwa sei.

VaBan Ki-moon vati mhuri yeZimbabwe iri kutambura zvikuru, vakati vakamboyedza kutaura naVaMugabe asi hapana chakabuda.

Vakurudzira VaMugabe kuti vagovane masimba zvakafanira naVaTsvangirai. Nyaya yeZimbabwe iri kutarisirwa kuzeyiwa neUnited Nations Security Council neMuvhuro.

Asi neChina gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Sikhanyiso Ndlovu, vati cholera iri munyika iri kukonzerwa neBritain iyo iri kuda kupedza mhuri yezimbabwe.

VaNdlovu vati mutungamiri weBritain, VaGordon Brown, avo vari kukurudzira kuti Zimbabwe iendeswe ku UN Security Council, ndivo vanofanira kuendeswako sezvo vari kuda kupedza vana veZimbabwe ne cholera.

Asi VaNdlovu varamba kupa humbowo pavabvunzwa neStudio7 nezvemashoko avo aya, vachingoti humbowo vanahwo.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongwerwo enyika.

VaMpani vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti mashoko aVaNdlovu anoratidza kuti hurumende yapererwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...