Zuva reKodzero Rocherechedzwa Misodzi Iri paDama

Magweta anorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe abatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva reInternational Human Rights Day. Magweta aya, achitsigirwa neveruzhinga, afora muHarare akaenda kunopa gwaro ravo rezvinyunyuto kumutauriri wedare reparamende, pamwe nemukuru wematare edzimhosva.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, vanhu varatidzira havana kurohwa kana kunetswa nemapurisa.

Zuva rekucherechedza kodzero dzevanhu rinosvika apo vanhu vakabatwa nekutya zvichitevera kupambwa kuri kuitwa vanhu nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori. Mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vakapambwa neChitatu svondo rapera, uye kusvika pari zvino, hapana ati aziva kwavari.

Vashandi vaviri vekuZPP, vakapambwawo zvakare muHarare neMuvhuro nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori. Ukuwo nhengo yeMDC, VaGhandi Mudzingwa, vakapambawo neMuvhuro.

Kupambwa kwevanhu ava kunoteverawo kupambwa kwenhengo gumi neina dzeMDC kuBanket muna Gumiguru. Pavanhu vakapambwa ava, pane mwana mudiki ane makore maviri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...