Huwandu hweVanhu Vari Kufa neCholera Horamba Huchikwira

Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vanosvika mazana manomwe nemakumi manomwe ane vashanu, vafa nechirwere che cholera kubva pachakatanga muna Nyamuvhuvhu, kusvika mukuvira kwezuva neChipiri.

Sangano iri rinotiwo vanhu vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu vakabatwa nechirwere ichi munguva iyi.

Sangano re National Association of Non-Governmental Organizations rinoti riri kufamba richiona mamiriro akaita zvinhu munyika, zvichitevera kupararira kuri kuita chirwere ichi.

VaFambai Ngirande ndivo mutauriri weNANGO.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaNgirande kuti tinzwe zvavari kuona munzvimbo dzavari kuenda.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...