Muzvare Mukoko Vanotsakatika Munyika?

Sangano reSouth African Council of Churches, SACC, rinoti harisi kufara nezviri kuitwa nehurumende yaVaMugabe, zvichitevera kupambwa kwakaitwa mutungamiri wesangano reZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, nemusi wa 3 Zvita. Sangano iri raita musangano nevatori venhau muJohannesburg kuSouth Africa, richizivisa pasi rose parimire pane zvakaitika kuna Muzvare Mukoko.

SACC inoti sachigaro weAfrican Union, uye vari mutungamiri weTanzania, pamwe nasachigaro weSADC, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, vanofanirwa kupindira, kuitira kuti VaMugabe varemekedze chibvumirano che Global Political Agreement. Sangano iri ratiwo zviri kuitwa naVaMugabe zvinoratidza kuti havasi kuremekedza nhaurirano dzekuumba hurumende yemubatanidzwa neMDC muZimbabwe.

SACC yanga ichitsigirwa nesangano re Open Society Institute for Southern Africa.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Benedict Nhlapho, Muzvare Mukoko vakapambwa neChitatu mangwanani nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori. Vanhu ava vanonzi vakasvika kumba kwaMuzvare Mukoko kuNorton vakapakatira pfuti, uye kusvika pari zvino, hapana ari kuziva kuna Muzvare Mukoko.

Hurumende inotiwo haisi kuzivawo akapamba Muzvare Mukoko.

Magweta ari kumirira Muzvare Mukoko anoti matare aramba kutora chikumbiro chavo zvechimbichimbi chekuti matare aya akomekedze mapurisa kuti atsvage kuna Muzvare Mukoko. Zvinonzii dare repamusoro rati nyaya iyi ichanzwikwa neMuvhoro.

Chris Gande weStudio7 aita hurukuro nehanzvadzi yaMuzvare Mukoko, VaCosmas Mukoko, kuti tinzwe maonero avari kuita panyaya yaMuzvare Mukoko.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...