VaMugabe Ngavabviswe Pachigaro neAfrica: Odinga

  • Ntungamili Nkomo

Mutungamiri wehurumende yeKenya, VaRaila Odinga, vakurudzira neChina vatungamiri venyika dzemu Africa kuti vatore matanho akasimba kuitira kuti vabvise hurumende yaVaRobert Mugabe pachigaro.

VaOdinga vati izvi zvinofanirwa kuitwa sezvo VaMugabe vari kuramba vakaomesa musoro vachiramba kugoverana masimba neMDC.

VaOdinga vataura mashoko aya mushure mekuita musangano nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kuKenya. VaOdinga vatizve hurukuro dzekuumba hurumende yemubatanidzva pakati peZanu PF neMDC, dzakundikana, naizvozvo, yasvika nguva yekuti vatungamiri vemu Africa vatore matanho akasimba pakugadzirisa gakava rezvematongerwo enyika riri muZimbabwe.

VaRejoice Ngwenya inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika. Ntungamili Nkomo weStudio 7 aita hurukuro naVaNgwenya kuti tinzwe maonero avo pamashoko aVaOdinga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...