Muzvare Jestina Mukoko Vanopambwa neVasori?

Mutungamiri wemabasa anoitwa nesangano reZimbabwe Peace Project, kana kuti ZPP, muzvare Jestina Mukoko, vakapambwa mangwanani eChitatu kumba kwavo kuNorton nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeve sangano revasori.

Vakaona zvichiitika vanoti pakaauya motokari mbiri dzainge dziine vanhu vanodarika gumi nevashanu, uye vakapakatira pfuti.

Vanhu ava vanonzi vakatyisidzira nepfuti munhu anochegetedza pamba paMuzvare Mukoko, vakamumanikidza kuvhura gedhi. Zvinonziwo vanhu ava vakambouya neMugovera pamba apa, vachitsvaga Muzvare Mukoko, asi havana kuvaona sezvo vakanga vasipo.

Muzvare Mukoko vanotungamira sangano reZPP mukuita basa rekuongorora mhirizhonga, zvikuru munyaya dzezve matongerwo enyika.

VaOtto Saki igweta rinoona kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu, uye vachishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights.

VaSaki vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti vamboedza kutsvaga Muzvare Mukoko asi masango achiri matema.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...