Nyanzvi Dzozeya Maipiro Aita Zvinhu muZimbabwe

Vakuru vakareva apo vakati matakadya kare haanyaradzi mwana. Mhuri yeZimbabwe iri kufa nenzara hurumende yeZanu PF ichingoti vanhu shingai inga makambodya wani uchi nemukaka patakasunungura nyika.

Asika vazhinji vevari kufa nenzara nezvirwere nhasi, havana kana kumbonombora uchi huri kugarotaurwa neZanu PF uhu. Tarisiro yekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa, iyo inoonekwa nevamwe semupedzanhamo, yava kure kure sezvo mapato ezvematongerwo enyika ari kutadza kunyatsowirirana, kunyange hazvo mapato aya akabvumirana neChina kuti achavandudza bumbiro remitemo yenyika, kana kuti Constitutional Amendment Bill Number 19.

Zimbabwe yakasvibisa chimiro chayo, apo yakarambidza kupinda munyika chikwata chevanyarikani vanoremekedzwa, che“The elders”, icho chinosanganisira vaimbowe munyori mukuru weUnited Nations, VaKofi Annan, vaimbove mutungamiri weAmerica, VaJimmy Carter, pamwe nemudzimai wevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela, Amai Graca Machel.

Chikwata ichi chakanga chichida kupinda munyika kuti chiongorore matambudziko akatarisana nevana veZimbabwe, asi hurumende yaVaMugabe, ikachirambidza kupinda munyika. Chiitiko ichi chakasvibisa mwoyo yevakawanda zvekusvika pakubvunza kuti hurumende iyi ine chido here nevanhu vayo.

Mukuzeya nyaya yematambudziko akatarisana nenyika, Jonga Kandemiiri weStudio7, aita hurukuro naPastor Raymond Motsi veChristian Alliance, vachishanda zvakare neZimbabwe National Pastors Conference, pamwe naVaGlen Mpani, avo vanoongorora zvematongerwo enyika kuti tinzwe maonero avo

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...