United Nations Inoti Cholera Yauraya Vanhu Vanodarika Mazana Matatu neMakumi Matanhatu

Sangano reUnited Nations rinoti vanhu vafa nechirwere che cholera kubva muna Nyamavhuvhu, vasvika pamazana matatu nemakumi matanhatu nevatanhatu, 366, ukuwo hurumende ichi vanhu ava vasvika pavanhu mazana maviri nemakumi masere nemumwe. Hurumende inoti iri kuedza napose painogona napo kurwisa chirwere ichi.

Vanoongorora nezvehutano vanoti panodiwa kuitwa zvakawanda pakurwisana nehutachichiwana hwe cholera.

Ukuwo sangano reWorld Health Organisation rinotiwo riri kutyira kuti vanhu vakawanda vachabatwa nechirwere ichi, kunyange hazvo yakatoendesa mishonga inodiwa pakuwedzera mvura mumuviri yevange vabatwa nechirwere.

Ukuwo MDC inotungamirwa naVa Authur Mutambara yanyorawo gwaro rekuti vari kushushikanawo nekupararira kwecholera. Munyori munyaya dzehutano muchikwata ichi, Muzcare Stella Allbery, vaudza Studio7 kuti hurumende iri kukundikana kurwisana nechirwere ichi, asi chirwere ichi hachinyanyonetsa kurapa kana matanho anofanirwa kutorwa akatevedzerwa.

Dr Henry Madzorere ndivo munyori anoona nezvehutano mu MDC inotungamirwa naVaTsvangirai.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naVaMadzorere nezvematanho anofanirwa kutorwa pakudzivirira chirerwe ichi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...