Nyanzvi dzehutano Dzopokana neHuwandu hweVanhu Vari Kufa neCholera

Hurumende inoti huwandu hwevanhu vafa neCholera, hwakwira kubva pazana nemakumi maviri nerimwe, kusvika pamazana maviri, nemakumi masere nerimwe, kubva pakupera kwemwedzi wapfuura, kusvika pakupera kwe svondo rapfuura.

Mumashoko avo kubepa nhau reHerald, Director weCivil Protection Unit, VaMadzudzo Pawadyira, vanoti hurumende iri kutora matanho ose ekudzivirira kupararira kwe Cholera.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutanho dzakaita saSachigaro weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, dzinoti hadzitenderani nemashoko ehurumende.

Dr Gwatidzo vanoti zvaitika chete apa, ndezvekuti aka ndekekutanga hurumende ichibvuma kuti vanhu vakawanda vari kufa neCholera, asi hurumende haina, zvairi kukwanisa kuita pamusoro pedambudziko reCholera iri.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro na Executive Director veCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, avo vanoti zvinonetsa kuti huwandu chaihwo hwevanhu vari kufa kana kubatwa neCholera hwakamira sei, sezvo vamwe vanhu vari kufira kana kurwarira mudzimba, uyezve vamwe vari kufa vasingazivikani kuti vafa nechirwere chipi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...