Machechi Oshora SADC Iyo Yakatadza Kupedza Gakava Riri muZimbabwe

Vatungamiri vemasangano emachechi akasiyana siyana, vanoti vari kushushikana zvikuru nekukundikana kweSADC kupedza gakava riri muZimbabwe.

Mugwaro rakanyorwa nevatungamiri vemasangano anoti reWorld Council of Churches, Lutheran World Federation, World Alliance of Reformed Churches, World YWCA neWorld Christian Federation, vachishanda nesangano reZimbabwe Advocacy Office riri kuGeneva, vatungamiri ava vanoti SADC yakatadza kutarisa matambudziko ari kutarisana nevana veZimbabwe, kuburikidza nekunonoka kupedzwa kwegakava iri, iro ratadzisa kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.

Gweta uye vari mutauriri weZimbabwe Advocacy Office kuGeneva, VaMariaon Zakeyo, vaudza Jonga Kandemiiri kuti vaitarisira kuti SADC ingangogadzirisa matambudziko akaita senzara, iyo yasakadza nyika, mukati mezvimwe zvinoda kugadziriswa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...