MDC Inoti Manyepo eZanu PF Kuti Inoda Kupidigura Hurumende

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, yaramba mashoko ekuti VaTsvangirai vachaita musangano namutungamiri weZANU-PF, Va Robert Mugabe.

Bepanhau reHerald rinoti VaTsvangirai ndivo vakakumbira VaMugabe kuti vasangane, kuitira kuti vazeye naVaMugabe nyaya iri kupomerwa bato ravo neZanu PF, yekuti iri kudzidzisa vechiduku kuti varwise mauto ari muZimbabwe.

Mutauriri we MDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, kuti bato ravo harina zvarinoziva nezvemusangano uyu, uye vakatotarisana nehurongwa hwekuzeya kuti voita sei nekutadza kubudirira kwemusangano weSADC waifanirwa kugadzirisa gakava riri muZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...