Global Fund Inopa Zimbabwe US$169m

Sangano reGlobal Fund rapa Zimbabwe mari inosvika US$169 million yekuti ishandise mukati memakore maviri mukurwisa zvirwere zveHIV/AIDS, TB, pamwe nemarariya.

Nhepfenyuro yeZBC inoti gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vatambira zvikuru nemufaro danho ratorwa neGlobal Fund.

Sangano iri rinoti Zimbabwe yanga yakumbira mari inoita US$470 inofanirwa kushandiswa mumakore mashanu, asi rakapa nyika iyi US$169 million yekushandisa mumakore maviri ekutanga. Imwe mari yakakumbirwa, inofanirwa kushandiswa muchikamu chechipiri chemakore matatu.

Mukuru anoona nezve kuburitswa kwemashoko mu Global Fund, Va John Liden, vanoti mari iyi yechikamu chekutanga chemakore maviri, ichatanga kugoverwa kunyika dzose dzapihwa mari iyi pakati pemwedzi mitatu kana gore kubva pakapihwa nyika idzi mari.

Asi vati vanofanirwa kutanga vaongorora kuti hurumende ichange ichishandisa sei mari iyi, kuitira kuti parege zvakare kuitwa dambudziko rakamboitika rekuti mari yeGlobal Fund inosvika US$7.3, haina kumbobatwa zvakanaka neReserve Bank of Zimbabwe.

Muzvare Martha Tholana vanorwira kodzero dzevanorarama neHIV/AIDS uyezve vari Acting Co-ordinator ve Network of Positive Women.

Carole Gombakomba weStudio7 aita huru kuro naMuzvare Tholana kuti tinzwe pfungwa dzavo padanho ratorwa neGlobal Fund pakupa Zimbabwe mari iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...