Global Fund Inotambira Kudzorwa kweMari neRBZ

Sangano reGlobal Fund to Fight AIDS, TB and Malaria, rinoti rafadzwa zvikuru nedanho ratorwa nebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe rekubhadhara mari yanga ichishaikwa kuti yakaitiswei yakabva kusangano iri.

Gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vakati vainge vadzosera mari iyi kuGlobal Fund, zvichitevera mashoko esangano iri ekuti hurumende inge yadzosera mari iyi neChina.

Global Fund yanga yakatarisirwa kutaura Chishanu, kuti nyika dzichawana mari muchikamu chesere ndedzipi, asi yazoti ichazotaura izvi nemusi weMuvhuro.

Rwendo rwuno Zimbabwe yakakumbira mari inoita mazana mashanu emamiriyoni emadhora eku America kuGlobal Fund. Asi mukuru anoona nezve kufambiswa kwemashoko muGlobal Fund, Va John Liden, vanoti sangano ravo richapa Zimbabwe mari kana ragutsikana kuti nyika iyi yashandura mabatiro ayo emari inobva kusangano ravo.

Global Fund inoti iri kushushikana nekutambura kuri kuita vanhu muZimbabwe, uye inotiwo vanhu ava havafanirwe kuomeserwa nepamusana pekukanganisa kunenge kwaitwa nevakuru vavo.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaTapiwa Kujinga, Regional Co-ordinator ve Southern Africa Treatment Access Movement, avo vanoti Zimbabwe inofanirwa kurega kuita zvinonyadzisa panyaya yemari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...