VaObama Votarisirwa Kukunda VaMcCain muSarudzo neChipiri

Vanhu vemuAmerica vari kusarudza mutungamiri mutsva achange achitungamira nyikiyi kwemakore mana. vari kukwikwidzana musarudzo iyi, ndiVaa John McCain ve Republic Party, pamwe naVa Barack Obama, ve Democratic Party.

Zviri kubuda mudzinhepfenyuro nemapepanhau zvinoratidza kuti VaObama vari kutungamirira musarudzo, zvekuti zvikabuda saizvovzo, VaObama vanobva vaita mutungamiri wechitema wekutanga kuenda kumuzinda wemutungamiri weAmerica, we White House.

VaObama vakadomwa semumiriri weDemocratic Party mushure mekukunda Amai Hilary Rodham Clinton, mudzimai wevaimbove mutungamiri we America, VaBill Clinton, ,usarudzo dzebato iri.

Anokunda musarudzo iyi mangwana, anotora basa riri kuitwa nemutungamiri we America, VaGeorge Bush, avo vakasarudzwa kwematemu maviri kuti vatungamire nyika iyi. VaBush vakasarudzwa muna 2000, mushure mekukunda Va Al Gore, veDemocratic Party. VaBush vakasarudzwa zvakare muna 2004, mushure mekukunda Senator John Kerry, veDemocratic Party.

Sarudzo yemu America iri kuitwa apo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi, uye vanhu vakawanda vemunyika iyi, vari kutorerwa dzimba dzavo nepamusana pekutadza kubhadhara zvikwereti zvedzimba idzi.

VaStanford Mukasa chizvarwa chemuZimbabwe, uye vanodzidzisa zvekuburitswa kwemashoko paIndiana University of Pennslyvania.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMukasa kuti tinzwe mafungiro avo pasarudzo yemu America.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...