Bazi rehutano
riri kusangana nematambudziko makukutu, ayo ari kuita kuti hupenyu
hweveruzhinji hupinde munjonzi.
Kuvharwa kwezvipatara nepamusana
pekuramwa mabasa kwavana chiremba navana mukoti, kwaita kuti vanhu vanorwara
nezvirwere zvakasiyana siyana, vatadze kurapwa.
Chirwere chiri pamusoro kana kuti chine
vanhu vakawandisa, ndeche HIV/AIDS, sezvo makiriniki anorapa vane hutachiwana
uhu, abatanidzirwawo pane nzvimbo dzavharwa idzi.
Pamusoro pezvo, sangano rinobatsira nemari munyaya dzezve hutano, reGlobal Fund for AIDS, TB ne Malaria, rinoti hurumende yeZimbabwe haisi kubuditsa pachena kuti mari yavakavapa inosvika US$7.3 million, yakaenda kupi.
Mutori wenhau weStudio7, Carole Gombakomba, aita hurukuro na Dr Chimedza, Va Frank Guni, gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, neve ku Global Fund, kuti tinzwe maenero avo.